Isaiah (42/66)  

1. Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu anofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, achavigira marudzi kururamisirwa.
2. Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha.
3. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi.
4. lye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zvivi zvichamirira murayiro wake.
5. Zvanzi naMwari iye akasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye anopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo,
6. "Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uye chiedza chamarudzi;
7. usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa.
8. Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.
9. Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira."
10. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zvivi navagere pazviri.
11. Renje namaguta aro ngazvidanidzire, nemisha inogarwa naKedhari; vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo.
12. Ngavakudze Jehovha, vaparidzire zviwi kurumbidzwa kwake.
13. Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira somunhu wokurwa; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, acharwa navavengi vake nesimba.
14. Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi ari kusununguka, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwechete.
15. Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zviwi, namadziva ndichaapisa.
16. Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.
17. Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa, "Imi muri vamwari vedu," ivo vadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo.
18. Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone.
19. Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma?
20. Anoona zvinhu zvizhinji, asi haacherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi.
21. Zvakafadza Jehovha, nokuda kwokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza
22. Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa, vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, "Dzosa!"
23. Ndianiko pakati penyu acharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Achateerera nokunzwa panguva inouya?
24. Ndianiko akarega Jakobho apambwe, nalsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake.
25. Naizvozvo akadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvikamupisa, asi akanaga asine hanya nazvo.

  Isaiah (42/66)