Isaiah (41/66)  

1. Nyararai pamberi pangu, imi zviwi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka.
2. Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paa notsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo.
3. Anodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake.
4. Ndianiko akabata basa iro nokuzviita? Ndiye anodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nowokupedzisira.
5. Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya.
6. Mumwe nomumwe anobatsira wokwake; anoti kuhama yake, "Tsunga hako moyo."
7. Saizvozvo muvezi anosimbisa mupfuri wendarama, noanopfura nenyundo anosimbisa anorova panhera, achiti, "Pamusoro pokunamatidza. Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka.
8. "Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasanangura, vana vaAbhurahamu shamwari yangu,
9. iwe wandakatora kumigomo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri, `Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha.'
10. Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba.
11. Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara.
12. "Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo.
13. Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, `Usatya, ini ndichakubatsira.'
14. Usatya, Jakobho iwe honye, nemi varume vaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri.
15. Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, unameno; uchapura makomo, nokuaputsa-putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi.
16. Uchaaurutsa, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kwose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsiraeri.
17. "Varombo navanoshayiwa vanotsvaka mvura, asi haipo, marimi avo anooma nenyota; ini, Jehovha ndichavapindura, ini Mwari walsiraeri, handingavarasi.
18. "Ndichazarura nzizi pamakomo asine miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura.
19. Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirite, nemiorivhi; ndichaisa musango misiperesi, nemipani,nemifiri iyo yose;
20. kuti vanhu vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsiraeri ndiye wakazvisika."
21. Zvanzi naJehovha, "Revai mhaka yenyu;" zvanzi namambo waJakobho, "Uyai namashoko enyu akasimba."
22. Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa, tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo.
23. Tiudzei zvinhu zvichazovapo pashure, tizive kuti muri vamwari; zvirokwazvo, itai zvakanaka, kana itai zvakaipa, kuti tishamiswe, tizvione tose pamwechete.
24. Tarirai imi hamuzi chinhu, nebasa renyu harizi chinhu; anokusanangurai anonyangadza.
25. Ndamutsa mumwe anobva kurutivi rwokumusoro, zvino wasvika; mumwe anobva kumabudazuva, anodana zita rangu; iye achatsika vabati samatope, somuumbi anokanya ivhu.
26. Ndianiko wakatiudza izvozvo kubvira pakutanga, kuti tizive? Napanguva yakare, kuti titi, "Zvirokwazvo?" Zvirokwazvo, hakuna anotiudza, zvirokwazvo, hakuna anotiratidza, zvirokwazvo, hakuna anonzwa mashoko enyu.
27. Ndini ndichatanga kuti kuZiyoni, "Tarirai, tarirai, havo; ndichatumira Jerusaremu nhume inouya namashoko akanaka."
28. Kana ndichitarira, hakuna munhu; pakati pavo hakuna anogona kurayirira, angapindura shoko, kana ndichivabvunza.
29. Tarirai, ava vose havana maturo, mabasa avo haana maturo, haazi chinhu; mifananidzo yavo yakaumbwa imhepo nezvisina maturo.

  Isaiah (41/66)