| ← Isaiah (40/66) → |
| 1. | "Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu," ndizvo zvinoreva Mwari wenyu. |
| 2. | "Taurirai zvingavaraidza Jerusaremu, danidzirai kwavari kuti kurwa kwavo kwapera, kuti zvakaipa zvavo zvakanganwirwa, kuti vapiwa noruoko rwaJehovha kurohwa kwakaringana pamusoro pezvivi zvavo." |
| 3. | Inzwi rounodanidzira, achiti, "Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango. |
| 4. | "Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pana makoronga pachaenzaniswa; Pasakaenzana pachaitwa bani; |
| 5. | kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo." |
| 6. | Inzwi roanoti, "Danidzirai!" Mumwe akati, "Ndichadanidzireiko?" Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango. |
| 7. | Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nokuti mweya waJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa. |
| 8. | Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi. |
| 9. | Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, "Tarirai, Mwari wenyu!" |
| 10. | Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake. |
| 11. | Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa. |
| 12. | Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika minwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero? |
| 13. | Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano? |
| 14. | Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here? |
| 15. | Tarirai, marudzi avanhu akaita sedonwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, anosimudza zvivi sechinhu chiduku-duku. |
| 16. | Rebhanoni harine huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa. |
| 17. | Marudzi ose akaita pamberi pake sapasine chinhu; pakufunga kwake akaita saasipo, chinhu chisina maturo. |
| 18. | Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko? |
| 19. | Kana uri mufananidzo, muumbi wakaumba, mupfuri wendarama anounamira nendarama, ndokuupfurira ngetani dzesirivha. |
| 20. | Murombo anoshaiwa chipo chakadaro, anosanangura muti asingawori; anozvitsvakira mhizha yakachenjera ingamuvezera mufananidzo usingazununguki. |
| 21. | Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here? |
| 22. | Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo; |
| 23. | ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo. |
| 24. | Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudyarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi. |
| 25. | Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene. |
| 26. | Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa. |
| 27. | Unorevereiko, iwe Jakobho, unotaurireiko iwe Isiraeri, uchiti, "Nzira yangu haizikanwi naJehovha, Mwari wangu anondidarika asingandiruramisiri? |
| 28. | Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikanwi." |
| 29. | Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake. |
| 30. | Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose; |
| 31. | asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi. |
| ← Isaiah (40/66) → |