Isaiah (40/66)  

1. "Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu," ndizvo zvinoreva Mwari wenyu.
2. "Taurirai zvingavaraidza Jerusaremu, danidzirai kwavari kuti kurwa kwavo kwapera, kuti zvakaipa zvavo zvakanganwirwa, kuti vapiwa noruoko rwaJehovha kurohwa kwakaringana pamusoro pezvivi zvavo."
3. Inzwi rounodanidzira, achiti, "Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango.
4. "Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pana makoronga pachaenzaniswa; Pasakaenzana pachaitwa bani;
5. kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo."
6. Inzwi roanoti, "Danidzirai!" Mumwe akati, "Ndichadanidzireiko?" Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango.
7. Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nokuti mweya waJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa.
8. Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.
9. Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, "Tarirai, Mwari wenyu!"
10. Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake.
11. Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.
12. Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika minwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero?
13. Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano?
14. Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here?
15. Tarirai, marudzi avanhu akaita sedonwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, anosimudza zvivi sechinhu chiduku-duku.
16. Rebhanoni harine huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa.
17. Marudzi ose akaita pamberi pake sapasine chinhu; pakufunga kwake akaita saasipo, chinhu chisina maturo.
18. Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko?
19. Kana uri mufananidzo, muumbi wakaumba, mupfuri wendarama anounamira nendarama, ndokuupfurira ngetani dzesirivha.
20. Murombo anoshaiwa chipo chakadaro, anosanangura muti asingawori; anozvitsvakira mhizha yakachenjera ingamuvezera mufananidzo usingazununguki.
21. Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here?
22. Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo;
23. ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo.
24. Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudyarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.
25. Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene.
26. Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.
27. Unorevereiko, iwe Jakobho, unotaurireiko iwe Isiraeri, uchiti, "Nzira yangu haizikanwi naJehovha, Mwari wangu anondidarika asingandiruramisiri?
28. Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikanwi."
29. Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake.
30. Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose;
31. asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.

  Isaiah (40/66)