| ← Isaiah (4/66) → |
| 1. | Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, "Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu." |
| 2. | Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka valsiraeri. |
| 3. | Vakasiyiwa paZiyoni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu; |
| 4. | kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZiyoni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa. |
| 5. | Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZiyoni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose. |
| 6. | Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura. |
| ← Isaiah (4/66) → |