Isaiah (4/66)  

1. Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, "Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu."
2. Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka valsiraeri.
3. Vakasiyiwa paZiyoni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu;
4. kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZiyoni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa.
5. Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZiyoni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.
6. Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.

  Isaiah (4/66)