| ← Isaiah (39/66) → |
| 1. | Zvino nenguva iyo Merodhaki bharadhani mwanakomana wa Bharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve. |
| 2. | Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia. |
| 3. | Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, "Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi?" Hezekia akati, "Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri." |
| 4. | Ipapo akati, "Vakaonei mumba mako?" Hezekia akapindura, akati, "Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza." |
| 5. | Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, "Inzwa shoko raJehovha wehondo, |
| 6. | ‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi, hakuna chinhu chichasiyiwa,' ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 7. | Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi." |
| 8. | Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, "Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro." Akatiwo, "Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu." |
| ← Isaiah (39/66) → |