| ← Isaiah (38/66) → |
| 1. | Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, "Zvanzi naJehovha, `Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.' " |
| 2. | Ipapo Hezekia akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, |
| 3. | akati, "Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu." Hezekia akachema kwazvo. |
| 4. | Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti, |
| 5. | "Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, `Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu. |
| 6. | Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.' |
| 7. | "Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura. |
| 8. | Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, yakanga yakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi." Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira. |
| 9. | Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake. |
| 10. | Ndakati, ndichapinda pamasuo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara. |
| 11. | Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika. |
| 12. | Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. |
| 13. | Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mapfupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. |
| 14. | Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiririri wangu imi. |
| 15. | Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanyasa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomoyo wangu. |
| 16. | Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise. |
| 17. | Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu. |
| 18. | Nokuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu. |
| 19. | Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuwongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu. |
| 20. | Jehovha akazvigadzirira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha. |
| 21. | Zvino Isaya akanga ati, "Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora." |
| 22. | Hezekiawo akanga ati, "Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?" |
| ← Isaiah (38/66) → |