Isaiah (36/66)  

1. Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Sanheribhi mambo weAsiria, akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.
2. Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.
3. Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba yamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakabudira kwaari.
4. Mukuru wavatariri akati kwavari, "Zvino imi muti kuna Hezekia, `Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?'
5. Ini ndinoti, mano ako nesimba rokurwa naro mashoko zvawo asina maturo; zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?
6. "Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwamuri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
7. "Asi kana ukati kwandiri, `Tinovimba naJehovha Mwari wedu,' ko haazi iye akabvisirwa matunhu akakwirira namaaritari ake naHezekia, akati kuna Judha neJerusaremu, `Munofanira kunamata pamberi pearitari iri here?'
8. Naizvozvo zvino chipikiranai henyu natenzi wangu, mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.
9. Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
10. Ini ndauya kuzorwa nenyika ino kuti ndiiparadze ndisina Jehovha kanhi? Ndiye Jehovha akati kwandiri, `Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.' "
11. Ipapo Eriakimu, mwanakomana waHirikia, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wavatariri, "Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe."
12. Asi mukuru wavatariri akati kwaari, "Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?"
13. Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura akati, "Inzwai mashoko amambo mukuru, iye mambo weAsiria.
14. Zvanzi namambo Hezekia, `Ngaarege kukunyengerai; nokuti haangagoni kukurwirai;
15. Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha,' achiti, `Jehovha achatirwira zvirokwazvo; guta iri haringapiwi mumaoko amambo weAsiria.' "
16. Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, "Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
17. kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.
18. Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti, `Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
19. Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria paruoko rwangu here?
20. Ndavapi pakati pavamwari vose venyika idzi vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha acharwira Jerusaremu paruoko rwangu?' "
21. Asi vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti, "Regai kumupindura."
22. Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekia, vakabvarura nguvo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.

  Isaiah (36/66)