Isaiah (35/66)  

1. Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.
2. Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.
3. Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera.
4. Iti kuna vane moyo inotya, "Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai."
5. Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.
6. Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.
7. Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.
8. Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, "Nzira youtsvene;" ine tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.
9. Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikunurwa ndivo vachafambapo;
10. vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Ziyoni vachiimba, mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.

  Isaiah (35/66)