| ← Isaiah (35/66) → |
| 1. | Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. |
| 2. | Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu. |
| 3. | Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera. |
| 4. | Iti kuna vane moyo inotya, "Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai." |
| 5. | Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. |
| 6. | Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango. |
| 7. | Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe. |
| 8. | Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, "Nzira youtsvene;" ine tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki. |
| 9. | Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikunurwa ndivo vachafambapo; |
| 10. | vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Ziyoni vachiimba, mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza. |
| ← Isaiah (35/66) → |