Isaiah (34/66)  

1. Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, teererai imi vanhu, nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo.
2. Nokuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa.
3. Vakaurawa vavo vacharaswa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo.
4. Hondo dzose dzokudenga dzichanyakatika, denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamuzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde.
5. Nokuti munondo wangu wanwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomu, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe.
6. Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondobwe; nokuti Jehovha ane chibayiro chake paBhozira, nokubaya kukuru panyika yaEdhomu.
7. Nyati dzichawa pamwechete navo, nenzombe pamwechete nehandira; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta.
8. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Ziyoni.
9. Hova dzayo dzichashanduka namo, ,huruva rayo sariferi, nyika yavo ichaitwa namo inopfuta.
10. Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi.
11. Asi zvichava zvehukurwizi nenungu; zizi negunguvo zvichagaramo; achatambanudzirapo rwonzi rwokuparadza nechokururamisa chezvisina chinhu.
12. Vakuru vayo vachadanirwa kuushe, asi havangavipo; machinda ayo ose achava pasina.
13. Minzwa ichamera mudzimba dzamadzimambo ayo, hutumbambeva norukato munhare dzayo; huchava hugaro hwamakava, nenzvimbo yemhou.
14. Zvikara zvomusango zvichasangana namapere, mweya wakaipa uchadana shamwari yawo; zvirokwazvo, chikara chousiku chichagarapo norugare, chichiwanapo nzvimbo yokuzorora.
15. Rovambira richaita dendere raropo, nokukandira, nokuchechenya mazai aro, nokuunganidza vana varo mumumvuri waro; zvirokwazvo, ndipo pachaunganira ruvangu, rumwe norumwe neshamwari yarwo.
16. Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.
17. Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.

  Isaiah (34/66)