Isaiah (33/66)  

1. Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.
2. Jehovha mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwedu mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.
3. Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imi muchisimuka.
4. Zvakapambwa zvenyu zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyiro wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri.
5. Jehovha akakudzwa, nokuti anogara kumusoro; akazadza Ziyoni nokururamisira nokururama.
6. Panguva dzako pachava nokugarika, nokuwanda kwokuponeswa, nouchenjeri nezivo; kutya Jehovha ndiyo fuma yake.
7. Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinochema zvikuru.
8. Migwagwa mikuru yaparadzwa, vafambi havachipo; aputsa sungano, azvidza maguta, haane hanya nomunhu.
9. Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni ranyadziswa, rooma; Sharoni rafanana nerenje; Bhashani neKarimeri azuka mashizha.
10. "Zvino ndichasimuka, ndizvo zvinotaura Jehovha; zvino ndichazvisimudza, zvino ndichakudzwa.
11. "Imi muchava napamuviri pehundi, muchabereka mashanga; mweya wenyu moto uchakupedzai.
12. Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.
13. "Inzwai, imi muri kure, zvandakaita, imi muri pedo, muzive simba rangu."
14. Vatadzi vari paZiyoni vanotya, vasingadi Mwari, vabatwa nokudedera. "Ndianiko pakati pedu angagara nomoto unoparadza? Ndiani pakati pedu angagara nokupisa kusingaperi?"
15. Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora fuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;
16. iye achagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake achazvipiwa, mvura yake haingapwi.
17. Meso ako achaona mambo pakunaka kwake, achaona nyika yakakura kwazvo.
18. moyo wako ucharangarira nguva yokutya, uchiti, "Aripiko iye aiverenga, aripiko aiyera mutero? Aripiko aiverenga shongwe?"
19. Haungazooni vanhu vane hasha, vanhu vanorurimi runoshamisa, rwausingagoni kunzwa, rurimi rwokumwe rwausingagoni kunzwisisa.
20. Tarirai Ziyoni, iro guta remitambo yedu; meso ako achaona Jerusaremu hwava ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.
21. Asi Jehovha achavapo nesu noumambo hwake, ichava nzvimbo ine nzizi nehova dzakafara, magwa anokwasviwa haangasvikipo, nezvikepe zvikuru hazvingapfuuripo.
22. Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa.
23. Mabote ako akati dembu-tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi wedanda rechikepe chavo, haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapwa nezvakapambwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapwa.
24. Hakuna ageremo, achati, "Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo."

  Isaiah (33/66)