Isaiah (32/66)  

1. Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.
2. Munhu mumwe nomumwe achava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.
3. Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
4. moyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.
5. Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.
6. Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, moyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa.
7. Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.
8. Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.
9. Simukai, imi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe inzwi rangu; imi vakunda vasine hanya, teererai kutaura kwangu.
10. Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasine hanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.
11. Dederai, imi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imi vasine hanya; zvifukurei, mubvise nguvo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza.
12. Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka.
13. Panyika yavanhu vangu pachamera minzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.
14. Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;
15. kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.
16. Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.
17. Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.
18. Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
19. Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.
20. Makaropafadzwa imi munokusha pose panemvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.

  Isaiah (32/66)