| ← Isaiah (31/66) → |
| 1. | Vane nhamo vanoburukira Ijipiti kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nokuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nokuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha. |
| 2. | Kunyange zvakadaro naiye akachenjera, achauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa. |
| 3. | Zvino vaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa noanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete. |
| 4. | Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, "Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo. haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZiyoni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo. |
| 5. | Seshiri dzinodzengerera, saizvozvo Jehovha achatavirira Jerusaremu; acharitavirira nokurirwira, acharidarika nokurisunungura." |
| 6. | Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vana vaIsiraeri. |
| 7. | Nokuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri. |
| 8. | Ipapo muAsiria achawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; achatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatirwa chibharo. |
| 9. | "Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza," ndizvo zvinotaura Jehovha, anomoto wake paZiyoni, nechoto chake paJerusaremu. |
| ← Isaiah (31/66) → |