Isaiah (3/66)  

1. Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;
2. munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru;
3. mukuru wamakumi mashanu, noanokudzwa, namakurukota, nemhizha dzakachenjera, nomuvuki anoziva.
4. Ndichavapa vanana ave machinda avo, vachabatwa navacheche.
5. Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunoanokudzwa.
6. Musi uyo munhu achabata munun’una wake mumba mababa vake, achiti, "Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako."
7. Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, "Handidi kuva n’anga, nokuti mumba mangu hamune zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu."
8. Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.
9. Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nokuti vakazviitira zvakaipa.
10. Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.
11. Wakaipa ane nhamo ! Iye haangavi nomufaro, nokuti achapiwa mubayiro wamaoko ake.
12. Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.
13. Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu.
14. Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, "Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu."
15. Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
16. Uyezve Jehovha akati, "Vakunda veZiyoni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,
17. naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZiyoni negwenyu-kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo."
18. Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi;
19. nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo;
20. nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuwira, namazango;
21. nezvimhete, noukomba hwemhino;
22. nenguvo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama;
23. nezviwoni-woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonakal nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.
24. Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguvo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kwouranda panzvimbo yokunaka.
25. Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa.
26. Masuo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.

  Isaiah (3/66)