| ← Isaiah (29/66) → |
| 1. | Arieri, Arieri, une nhamo, iwe guta maidzika Dhavhidhi matende ake! Wedzerai gore pagore, nguva dzemitambo ngadzisvike; |
| 2. | ipapo ndichamanikidza Arieri, kuchema nokuungudza zvichavapo; richava kwandiri seArieri. |
| 3. | Ndichakukomba panhivi dzose, ndichakukomba navarwi vanorindira, ndichavaka masvingo okurwa newe. |
| 4. | Uchawiswa pasi, uchataura uri pasi muvhu; kutaura kwako kuchabva pasi muguruva; inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu, kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva. |
| 5. | Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, navanotyisa sehundi inopepereka; zvirokwazvo zvichaitwa kamwe-kamwe, pakarepo. |
| 6. | Uchashanyirwa naJehovha wehondo nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nomubvumo mukuru, nechamupupuri, nedutu guru, nomurazvo womoto unopedza zvose. |
| 7. | Kuwanda kwamarudzi ose anorwa neArieri, ivo vose vanorwa naro nenhare yaro, vachaita sezvinorotwa, sezvinoonekwa usiku. |
| 8. | Zvichafanana nokurota kwomunhu ane nzara, achiti ndinodya; asi anopepuka, ndokuwana mweya wake usine chinhu; kana sokurota kwomunhu ane nyota, achiti ndinonwa; asi anopepuka, wanei aziya, mweya wake unopanga mvura; ndizvo zvichaita kuwanda kwamarudzi ose anorwa negomo reZiyoni. |
| 9. | Mirai mushame! Zvipofumadzei, muve mapofu! Vakabatwa, asi havana kubatwa newaini, vanodzedzereka, asi havadzedzereki nezvinobata. |
| 10. | Nokuti Jehovha wakadurura pamusoro penyu mweya wokubatwa nehope kwazvo, akafumbira meso enyu, vaporofita; nemisoro yenyu, vaoni, wakavafukidza. |
| 11. | Kuona kwose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu anogona kurava zvichinzi,"Dorava hako izvizvi;" iye ndokuti, "Handigoni, nokuti rwakanamirwa;" |
| 12. | zvino rugwaro runopiwa usina kudzidza, zvichinzi, "Dorava hako izvozvi;" iye ndokuti, "Handina kudzidza." |
| 13. | Ishe akati, "Ava vanhu zvavanoswedera kwandiri, vachindikudza nomuromo wavo uye nemiromo yavo, asi moyo yavo vakaiisa kure neni, nokunditya kwavo zvawava murayiro wavanhu wavakadzidziswa; |
| 14. | naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa." |
| 15. | Vane nhamo vanotsvaka kuvanzira Jehovha mano avo pakadzika, mabasa avo ari murima, vachiti, "Ndiani anotiona, ndiani anotiziva?" |
| 16. | Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari akaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho, "Iye haana kundiita"; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho, "Iye haana njere?" |
| 17. | Ko hakuna kusara chinguva chidukuduku here, Rebhanoni richashandurwa rive munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchanzi idondo? |
| 18. | Zvino nezuva iro vamatsi vachanzwa mashoko orugwaro, meso amapofu achaona ari pakasviba napanerima. |
| 19. | Vanyoro vachawedzerawo mufaro wavo muna Jehovha, varombo pakati pavanhu vachafara kwazvo muMutsvene waIsiraeri. |
| 20. | Nokuti anotyisa aparadzwa, mudadi aguma, navose vanogarira zvakaipa vabviswa; |
| 21. | ivo vanopomera munhu mhaka nokuda kweshoko, vanoteyira munhu musungo, anoraira vamwe pasuo, vanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano-mano. |
| 22. | Saka zvanzi naJehovha, akadzikunura Abhurahamu, pamusoro peimba yaJakobho, Jakobho haanganyadziswi zvino, chiso chake zvino hachingacheneruki. |
| 23. | Asi kana achiona vana vake, iro basa ramaoko angu, pakati pake, vachati zita rangu idzvene; zvirokwazvo, vachati Mutsvene waJakobho mutsvene, vachatya Mwari waIsiraeri. |
| 24. | Vakarasika pamweyawo vachava nenjere, vanonyunyuta vachadzidziswa. |
| ← Isaiah (29/66) → |