Isaiah (29/66)  

1. Arieri, Arieri, une nhamo, iwe guta maidzika Dhavhidhi matende ake! Wedzerai gore pagore, nguva dzemitambo ngadzisvike;
2. ipapo ndichamanikidza Arieri, kuchema nokuungudza zvichavapo; richava kwandiri seArieri.
3. Ndichakukomba panhivi dzose, ndichakukomba navarwi vanorindira, ndichavaka masvingo okurwa newe.
4. Uchawiswa pasi, uchataura uri pasi muvhu; kutaura kwako kuchabva pasi muguruva; inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu, kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.
5. Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, navanotyisa sehundi inopepereka; zvirokwazvo zvichaitwa kamwe-kamwe, pakarepo.
6. Uchashanyirwa naJehovha wehondo nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nomubvumo mukuru, nechamupupuri, nedutu guru, nomurazvo womoto unopedza zvose.
7. Kuwanda kwamarudzi ose anorwa neArieri, ivo vose vanorwa naro nenhare yaro, vachaita sezvinorotwa, sezvinoonekwa usiku.
8. Zvichafanana nokurota kwomunhu ane nzara, achiti ndinodya; asi anopepuka, ndokuwana mweya wake usine chinhu; kana sokurota kwomunhu ane nyota, achiti ndinonwa; asi anopepuka, wanei aziya, mweya wake unopanga mvura; ndizvo zvichaita kuwanda kwamarudzi ose anorwa negomo reZiyoni.
9. Mirai mushame! Zvipofumadzei, muve mapofu! Vakabatwa, asi havana kubatwa newaini, vanodzedzereka, asi havadzedzereki nezvinobata.
10. Nokuti Jehovha wakadurura pamusoro penyu mweya wokubatwa nehope kwazvo, akafumbira meso enyu, vaporofita; nemisoro yenyu, vaoni, wakavafukidza.
11. Kuona kwose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu anogona kurava zvichinzi,"Dorava hako izvizvi;" iye ndokuti, "Handigoni, nokuti rwakanamirwa;"
12. zvino rugwaro runopiwa usina kudzidza, zvichinzi, "Dorava hako izvozvi;" iye ndokuti, "Handina kudzidza."
13. Ishe akati, "Ava vanhu zvavanoswedera kwandiri, vachindikudza nomuromo wavo uye nemiromo yavo, asi moyo yavo vakaiisa kure neni, nokunditya kwavo zvawava murayiro wavanhu wavakadzidziswa;
14. naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa."
15. Vane nhamo vanotsvaka kuvanzira Jehovha mano avo pakadzika, mabasa avo ari murima, vachiti, "Ndiani anotiona, ndiani anotiziva?"
16. Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari akaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho, "Iye haana kundiita"; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho, "Iye haana njere?"
17. Ko hakuna kusara chinguva chidukuduku here, Rebhanoni richashandurwa rive munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchanzi idondo?
18. Zvino nezuva iro vamatsi vachanzwa mashoko orugwaro, meso amapofu achaona ari pakasviba napanerima.
19. Vanyoro vachawedzerawo mufaro wavo muna Jehovha, varombo pakati pavanhu vachafara kwazvo muMutsvene waIsiraeri.
20. Nokuti anotyisa aparadzwa, mudadi aguma, navose vanogarira zvakaipa vabviswa;
21. ivo vanopomera munhu mhaka nokuda kweshoko, vanoteyira munhu musungo, anoraira vamwe pasuo, vanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano-mano.
22. Saka zvanzi naJehovha, akadzikunura Abhurahamu, pamusoro peimba yaJakobho, Jakobho haanganyadziswi zvino, chiso chake zvino hachingacheneruki.
23. Asi kana achiona vana vake, iro basa ramaoko angu, pakati pake, vachati zita rangu idzvene; zvirokwazvo, vachati Mutsvene waJakobho mutsvene, vachatya Mwari waIsiraeri.
24. Vakarasika pamweyawo vachava nenjere, vanonyunyuta vachadzidziswa.

  Isaiah (29/66)