Isaiah (28/66)  

1. Korona, inozvikudza, yavakabatwa vokwaEfuremu, ine nhamo, uye ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera wavakakundwa newaini.
2. Tarirai, Ishe anomumwe anesimba anokurira; achawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, sedutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kwose.
3. Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfuremu ichatsikwa pasi netsoka;
4. ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera richava sewonde rinotanga kuibva zhizha richigere kusvika; rinoti richatarirwa noariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.
5. Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake;
6. nomweya wokururamisa kunoagere pakutonga, nesimba kuna vanodzosera vanorwa pasuo.
7. Asi naivo vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinobata; mupirisiti nomuporofita vanodzungunyika nezvinobata, vakamwedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; vanokanganiswa pakuona, vanogumburwa pakutonga.
8. Nokuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka.
9. "Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here?
10. Nokuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa zvishoma, napapo zvishoma."
11. Zvirokwazvo achataura norudzi urwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi, norurimi rwokumwe;
12. akati kwavari, "Zororo riri pano, zorodzai vakaneta; pano ndipo panokutonhorera;" asi vakaramba kuteerera.
13. Saka shoko raJehovha richava kwavari, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa napapo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe.
14. Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusaremu,
15. Imi zvamakati, "Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi pokunyengetera; "
16. naizvozvo Ishe Jehovha anoti, "Tarirai, ndinoisa paZiyoni ibwe rive nheyo, riri ibwe rakaedzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi.
17. Kururamisira ndichakuita rwonzi, nokururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda."
18. Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa, nokutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo.
19. Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nokuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura, kuchangonotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro.
20. Nokuti mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro.
21. Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibhiyoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.
22. Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.
23. Rerekai nzeve dzenyu, munzwe inzwi rangu; teererai, munzwe kutaura kwangu.
24. Ko murimi, anoda kudzvara, unoswera achirima here? Anoswera achiparura munda nokuputsa mavhinga here?
25. Kana achinge aenzanisa ivhu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudzvara kumini, nokuisa zviyo mumisara, nebhari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhivi dzawo here?
26. Nokuti Mwari wake anomuzivisa zvakanaka nokumudzidzisa.
27. Nokuti kumini nhema haipurwi nomupuro unopinza, negumbo rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; asi kumini nhema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu.
28. Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, haangarambi achizvipura; kunyange gumbo rengoro yake namabhiza ake zvichizviparadzira, haangazvikuyi.
29. Naizvozvi zvinobva kuna Jehovha wehondo, anoshamisa nezvaanofunga, mukuru kwazvo pakubata kwake.

  Isaiah (28/66)