| ← Isaiah (27/66) → |
| 1. | Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa. |
| 2. | Nezuva iro vachaimba vachiti, "Munda wemizambiringa, chiumbira! |
| 3. | Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu. |
| 4. | Ini handina hasha; dai rukato neminzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete. |
| 5. | Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni." |
| 6. | Namazuva anouya Jakobho achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko. |
| 7. | Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurawa nokuurawa kwaivo vakaurawa navo here? |
| 8. | Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva. |
| 9. | Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa. |
| 10. | Nokuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiyiwa riri roga, hwava hugaro hwasiyiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo. |
| 11. | Kana matavi apo aoma, achavhunwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo. |
| 12. | Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imi vana vaIsiraeti. |
| 13. | Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeIjipiti, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu. |
| ← Isaiah (27/66) → |