Isaiah (26/66)  

1. Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha: "Tine guta rakasimba; iye achaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso.
2. Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.
3. "Anomoyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nokuti anovimba nemi.
4. Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.
5. Nokuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro, anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.
6. Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa."
7. Nzira yavakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yavakarurama.
8. Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.
9. Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
10. Akaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; achaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.
11. Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
12. Jehovha, imi muchatigadzirira rugare; nokuti makatibatirawo mabasa edu ose.
13. Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemi moga.
14. Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.
15. Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.
16. Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.
17. Mukadzi ane pamuviri, asvika pedo pakusununguka, sezvaanorwadziwa achichema pakurwadziwa kwake, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, Jehovha.
18. Isu takanga tava nepamuviri, takanga tiri pakurwadziwa, takabereka zvinenge mhepo bedzi; hatina kuvigira nyika sununguro, uye vangagara panyika havana kuzvarwa.
19. Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nokuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.
20. Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.
21. Nokuti tarira Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.

  Isaiah (26/66)