Isaiah (25/66)  

1. Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndicharumbidza zita renyu; no kuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi.
2. Nokuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.
3. Naizvozvo rudzi rurukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai.
4. Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.
5. Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma, rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore.
6. Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.
7. Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose.
8. Akaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha akataura izvozvo.
9. Nezuva iro vachati, "Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake."
10. Nokuti ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri; Moabhi vachatsikwa pasi panzvimbo yavo, sezvinotsikwa mashanga mumvura iri mugomba romupfudze.
11. Achatambanudza maoko ake imomo, somunhu anotambanudza maoko ake kana achishambira; asi Jehovha achaderedza kuzvikudza kwake pamwechete nenjere dzamaoko ake.
12. Nhare yakakwirira yamasvingo enyu, wakaiwisira pasi, wakaideredza, wakaiputsira muvhu, imo muguruva.

  Isaiah (25/66)