| ← Isaiah (24/66) → |
| 1. | Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi. |
| 2. | Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupirisiti, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwerete zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu. |
| 3. | Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha akataura shoko iro. |
| 4. | Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba. |
| 5. | Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi. |
| 6. | Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma. |
| 7. | Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vanomoyo unofara vanogomera. |
| 8. | Kufara kwengoma kwonyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera. |
| 9. | Havanganwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvinwa. |
| 10. | Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo. |
| 11. | Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda. |
| 12. | Muguta masara mangova dongo, suo raputswa nokuparadzwa. |
| 13. | Nokuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa kwomuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa akohwiwa. |
| 14. | Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda kwoumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa. |
| 15. | Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa. |
| 16. | Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, "Vakarurama ngavakudzwe!" Asi ini ndakati, "Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru." |
| 17. | Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika. |
| 18. | Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera. |
| 19. | Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose. |
| 20. | Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve. |
| 21. | Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika. |
| 22. | Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutorongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa. |
| 23. | Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, napaJerusaremu, pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa. |
| ← Isaiah (24/66) → |