Isaiah (24/66)  

1. Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.
2. Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupirisiti, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwerete zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.
3. Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha akataura shoko iro.
4. Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.
5. Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.
6. Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.
7. Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vanomoyo unofara vanogomera.
8. Kufara kwengoma kwonyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.
9. Havanganwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvinwa.
10. Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.
11. Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.
12. Muguta masara mangova dongo, suo raputswa nokuparadzwa.
13. Nokuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa kwomuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa akohwiwa.
14. Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda kwoumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.
15. Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.
16. Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, "Vakarurama ngavakudzwe!" Asi ini ndakati, "Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru."
17. Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.
18. Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.
19. Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.
20. Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.
21. Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.
22. Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutorongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.
23. Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, napaJerusaremu, pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.

  Isaiah (24/66)