Isaiah (23/66)  

1. Chirevo pamusoro peTire. Chemai, imi, zvikepe zveTarishishi; nokuti raparadzwa, hapachine imba, kana pangapindwapo; vakaratidzwa izvozvo vari panyika yeKitimi.
2. Imi mugere pamhenderekedzo yegungwa, nyararai, iyemi maifumiswa navatengesi veSidhoni, vanofamba negungwa.
3. fuma yaro zvaiva zviyo zveShihori, zvibereko zveNairi, paitengeswa zvose zvamarudzi avanhu.
4. Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, "Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara."
5. Kana shoko richisvika Ijipiti, vachava neshungu kwazvo pamusoro peshoko reTire.
6. Yambukirai Tarishishi; chemai imi mugere pamhenderekedzo yegungwa.
7. Gara ndiro guta renyu raifara, raivapo kubva kare nakare, raiiswa kurekure netsoka dzaro, kundogarako?
8. Ndianiko akafungira Tire izvozvo, iro raipavhurira korona, vatengesi varo vaiva machinda, navashambadziri varo vaiva vanokudzwa panyika?
9. Jehovha wehondo ndiye akazvifunga, kuti amhure kuzvikudza kwezvose zvinokudzwa, nokuzvidza vose vanokudzwa panyika.
10. Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTarishishi; hakuchine bhanhire rinokusunga.
11. Akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, akazunungusa ushe; Jehovha akaraira pamusoro peKanani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
12. Akati, "Hauchazofari, iwe mukunda weSidhoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Kitimi; naikoko haungawani zororo."
13. Tarirai nyika yavaKaradhea; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo, vakaiita dongo.
14. Chemai, imi zvikepe zveTarishishi; nokuti nhare yenyu yaparadzwa.
15. Zvino nenguva iyo Tire richakanganikwa makore makumi manomwe, zvakaenzana namakore amambo mumwechete; kana makore makumi manomwe apera, Tire richaitirwa sezvinoimbwa parwiyo rwechifeve, runoti,
16. "Iwe chifeve, wakanganikwa, tora mbira upote neguta; ridza zvakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti urangarirwe."
17. Zvino kana makore makumi manomwe apera, Jehovha achashanyira Tire, ipapo richadzokera kumubayiro waro, ndokufeva noushe hwose hwenyika huri pasi pose.
18. Zvarakashambadzira, nomubayiro waro, zvichava zvitvsene kuna Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa, nokuti zvarakashambadzira zvichava zvavanogara pamberi paJehovha, kuti vagute kwazvo, vafuke nguvo dzakanaka.

  Isaiah (23/66)