| ← Isaiah (22/66) → | 
| 1. | Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba? | 
| 2. | Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa. | 
| 3. | vabati vako vose vakatiza pamwechete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwechete; vakatizira kure. | 
| 4. | Naizvozvo ndakati, "Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu." | 
| 5. | Nokuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kuna She, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo, nerokudanidzira kumakomo. | 
| 6. | Erami akabata goba, pamwechete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza, Kiri akafudugura nhovo. | 
| 7. | Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuo. | 
| 8. | Vakabvisa chifukidziro chaJudha; nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo. | 
| 9. | Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji, mukachingidzira mvura yedziva rezasi; | 
| 10. | mukaverenga dzimba dzeJerusaremu, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo; | 
| 11. | mukaitawo gungwa pakati pamasvingo maviri rokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye akazviita, makanga musine hanya naiye akazvifunga kare. | 
| 12. | Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, akakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza; | 
| 13. | asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushinjiwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muchiti, "Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa." | 
| 14. | Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, "Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu," ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo. | 
| 15. | Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, "Enda kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti, | 
| 16. | ‘Unobateiko pano? Unaniko pano, zvawazvivezera bwiro pano? Somunhu anozvivezera bwiro pakakwirira, anozvicherera ugaro hwake padombo!' | 
| 17. | Tarira, Jehovha, achakurasira kure nesimba somurume; zvirokwazvo, achakupeta-peta. | 
| 18. | "Zvirokwazvo achakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako. | 
| 19. | Ndichakudzinga pabasa rako, iye uchakukwevera pasi ubve panzvimbo yako. | 
| 20. | "Zvino nezuva iro ndichadana muranda wangu Eriakimi, mwanakomana waHirikia; | 
| 21. | ndichamufukidza nguvo yako, nokumusimbisa nebhanhire rako, ndigoisa ushe hwako muruoko rwake; iye achava baba kuna vagere Jerusaremu, nokuimba yaJudha. | 
| 22. | Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura, hapana angazarira, iye achazarira, hapana angazarura. | 
| 23. | Ndichamurovera pakasimba sembambo; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake. | 
| 24. | "Vachaturika paari kukudzwa kwose kweimba yababa vake, matavi namabukira, nemidziyo yose miduku, kubvira pamikombe kusvikira pamakate. | 
| 25. | Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo." | 
| ← Isaiah (22/66) → |