Isaiah (22/66)  

1. Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba?
2. Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa.
3. vabati vako vose vakatiza pamwechete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwechete; vakatizira kure.
4. Naizvozvo ndakati, "Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu."
5. Nokuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kuna She, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo, nerokudanidzira kumakomo.
6. Erami akabata goba, pamwechete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza, Kiri akafudugura nhovo.
7. Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuo.
8. Vakabvisa chifukidziro chaJudha; nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo.
9. Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji, mukachingidzira mvura yedziva rezasi;
10. mukaverenga dzimba dzeJerusaremu, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo;
11. mukaitawo gungwa pakati pamasvingo maviri rokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye akazviita, makanga musine hanya naiye akazvifunga kare.
12. Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, akakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza;
13. asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushinjiwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muchiti, "Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa."
14. Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, "Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu," ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
15. Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, "Enda kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,
16. â€˜Unobateiko pano? Unaniko pano, zvawazvivezera bwiro pano? Somunhu anozvivezera bwiro pakakwirira, anozvicherera ugaro hwake padombo!'
17. Tarira, Jehovha, achakurasira kure nesimba somurume; zvirokwazvo, achakupeta-peta.
18. "Zvirokwazvo achakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.
19. Ndichakudzinga pabasa rako, iye uchakukwevera pasi ubve panzvimbo yako.
20. "Zvino nezuva iro ndichadana muranda wangu Eriakimi, mwanakomana waHirikia;
21. ndichamufukidza nguvo yako, nokumusimbisa nebhanhire rako, ndigoisa ushe hwako muruoko rwake; iye achava baba kuna vagere Jerusaremu, nokuimba yaJudha.
22. Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura, hapana angazarira, iye achazarira, hapana angazarura.
23. Ndichamurovera pakasimba sembambo; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.
24. "Vachaturika paari kukudzwa kwose kweimba yababa vake, matavi namabukira, nemidziyo yose miduku, kubvira pamikombe kusvikira pamakate.
25. Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo."

  Isaiah (22/66)