| ← Isaiah (21/66) → |
| 1. | Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi. |
| 2. | Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kwose. |
| 3. | Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona. , |
| 4. | moyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwashanduka chinhu chinondidederesa. |
| 5. | Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanonwa. Simukai, imi machinda, muzodze nhovo. |
| 6. | Nokuti hezvi zvandaudzwa naShe, "Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona; |
| 7. | zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka ramakamera, ngaateerere zvakanaka-naka." |
| 8. | Iye akadanidzira seshumba, achiti, "Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu; |
| 9. | zvino tarirai, kwouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri." Akapindura, akati, "Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikira pasi." |
| 10. | Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai. |
| 11. | Chireve pamusoto peDhuma.mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, "Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?" |
| 12. | Murindi ndokuti, "Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai." |
| 13. | Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imi mapoka avafambi veDhedhani. |
| 14. | Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo. |
| 15. | Nokuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kwokurwa. |
| 16. | Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, "Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera. |
| 17. | "Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nokuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura." |
| ← Isaiah (21/66) → |