| ← Isaiah (20/66) → |
| 1. | Negore rokusvika kwaTaritani paAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akarwa neAshidhodhi nokurikunda; |
| 2. | nenguva iyo Jehovha akataura naIsaya mwanakomana waAmozi, achiti, "Enda, undosunungura gudza riri pazviuno zvako, ubvise shangu yako parutsoka rwako." Iye akaita saizvozvo, akafamba asine nguvo, asine shangu. |
| 3. | Zvino Jehovha akati, "Muranda wangu Isaya sezvaakafamba asine nguvo asine shangu makore matatu akava chiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neItiopia; |
| 4. | saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti navakadzingwa veItiopia, vaduku navakuru Vasina nguvo vasina shangu, vakafukurwa zviuno, chive chinyadzo cheIjipiti. |
| 5. | Vachavhunduswa nokunyadziswa pamusoro peItiopia, chivimbo chavo, neIjipiti rumbidzo yavo. |
| 6. | "Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro, `Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?' " |
| ← Isaiah (20/66) → |