Isaiah (2/66)  

1. Shoko rakaonekwa naIsaya, mwa nakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu.
2. Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.
3. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, "Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake;" nokuti murayiro uchabva paZiyoni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu.
4. Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
5. Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.
6. Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.
7. Nyika yavo izere nesirivha nendarama, fuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi.
8. Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa neminwe yavo.
9. Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakanganwira.
10. Pinda mudombo uvande,muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake.
11. Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
12. Nokuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa;
13. napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamiouki yose yeBhashani,
14. napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira,
15. napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa,
16. napamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza.
17. Ukuru hwavanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
18. Zvifananidzo zvichapera chose.
19. Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
20. Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhuta nezviremwaremwa;
21. vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
22. Regai munhu, anokufema mumhino dzake; nokuti anobatsireiko?

  Isaiah (2/66)