Isaiah (18/66)  

1. Haiwa, nyika yokuvirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiopia,
2. inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, "Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi.
3. "Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza uchisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda ichiridzwa, inzwai!"
4. Nokuti Jehovha akataura kwandiri kudai, "Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sokupisa kwezuva pamushana, seguti pakupisa kwenguva yokukohwa."
5. Nokuti kukohwa kusati kwasvika, kana maruva azuka, ruva rashanduka zambiringa roda kuibva, achagura matavi namapanga; namatavi anotandira achaabvisa nokuatema.
6. Ose pamwechete achasiyirwa magora ari pamakomo, nezvikara zvenyika; magora achagara pamusoro pavo chirimo chose, nezvikara zvenyika zvichapedza chando pamusoro pavo.
7. Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZiyoni.

  Isaiah (18/66)