Isaiah (17/66)  

1. Chirevo pamusoro peDhamasiko. Tarirai, Dhamasiko robviswa, rirege kuzova guta, richava dongo rakakoromoka.
2. Maguta eAroeri asiyiwa; achava mafuro ezvipfuwo, zvichavatapo pasi, zvisina anozvivhundusa.
3. Nhare ichabviswa panaEfuremu, noushe paDhamasiko; vakasara veSiria vachava sembiri yavana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4. Zvino nezuva iro ukuru hwaJakobho huchaitwa hutende, uye kukora kwenyama yake kuchaonda.
5. Zvichafanana nenguva kana mucheki achiunganidza zviyo mumunda, achicheka hura noruoko rwake; zvirokwazvo zvichafanana nokuunganidza hura pamupata weRefaimi.
6. Kunyange zvakadaro mimwe michero ichasariramo, sezvinoitika kana muorivhi uchizuzwa, zvibereko zviviri kana zvitatu kumuromo wedavi rokumusoro-soro, zvina kana zvishanu pamatavi okunze omuti unobereka kwazvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri.
7. Nezuva iro vanhu vachatarira Musiki wavo, meso avo achaona Mutsvene waIsiraeri.
8. Havangatariri aritari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.
9. Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana vaIsraeri; achava matongo.
10. Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo mizambiringa yakabva kumwe.
11. Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kucheka kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru.
12. Haiwa, kutinhira kwavanhu vazhinji, vanotinhira sokutinhira kwegungwa, nokuririma kwamarudzi avanhu anoririma sokuririma kwemvura zhinji!
13. Marudzi acharirima sokuririma kwemvura zhinji; asi uchavatuka, vachatizira kure, vachadzingirirwa sehundi yamakomo pamberi pemhepo, seguruva rinopfungaira pamberi pedutu remhepo.
14. Nenguva yamadekwana, tarirai, kuchava nokutyisa; mangwanani kusati kwaedza, havachipo. Ndiwo mugove wavanotipambara, nomubayiro wavanotibira.

  Isaiah (17/66)