Isaiah (16/66)  

1. Tumirai mubati wenyika makwayana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZiyoni.
2. Nokuti seshiri dzinodzungaira, sedendere rakaparadzirwa, ndizvo zvichaita vakunda vaMoabhi pamazambuko aArinoni.
3. "Itai mano, ruramisira; mumvuri wako uuite sousiku pakati pamasikati makuru; vanza vadzingwa, usapandukira anotiza.
4. Vanhu vangu vakadzingwa ngavagare newe; kana ari Moabhi, uve kwaari paangavanda pamberi pomuparadzi; nokuti mutambudzi haachipo, kuparadza kwapera, vamanikidzi vabva panyika.
5. Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nechokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama."
6. Takanzwa zvokuzvikudza kwaMoabhi, kuti unozvikudza kwazvo; zvamanyawi ake, nokuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
7. Saka Moabhi achachema Moabhi, mumwe nomumwe achachema; muchachemera mapundu amazambiringa eKirihareseti, mamanikidzwa kwazvo.
8. Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
9. Saka ndichachema nokuchema kwaJazeri ndichichemera muzambiringa weSibhima; ndichakudiridza iwe Heshibhoni neEreare nemisodzi yangu; nokuti mhere yokurwa yawira pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha napamusoro pokukohwa kwako.
10. Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana inzwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira mazambiringa pazvisviniro, ndagumisa kupururudza.
11. Naizvozvo moyo wangu unorira sembira pamusoro paMoabhi, nedumbu rangu pamusoro peKiriheresi.
12. Zvino kana Moabhi achizviratidza pamberi paJehovha, kana achizvinetsa padunhu rakakwirira, nokupinda panzvimbo yake tsvene kuzonyengetera, haangatongobatsirwi chinhu.
13. Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhi panguva yakare.
14. Asi zvino Jehovha akataura achiti, "Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu anobatira mubayiro, kukudzwa kwaMoabhi kuchazvidzwa, pamwechete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba."

  Isaiah (16/66)