| ← Isaiah (14/66) → |
| 1. | Nokuti Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi, achasanangura Isaraeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa achandogara navo, vachanamatira imba yaJakobho. |
| 2. | Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza. |
| 3. | Zvino nezuva iro kana Jehovha achikuzorodza pakuchema kwako napakutambudzika kwako, napakubata kwako kunorema kwawakabatiswa nako, |
| 4. | uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti, "Haiwa mumanikidzi wapera sei! Kutambudzika kwapera sei! |
| 5. | Jehovha avhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yavabati. |
| 6. | "Iye airova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi, aibata ndudzi dzavanhu nokutambudza kusina kudzorwa nomunhu. |
| 7. | Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba. |
| 8. | Zvirokwazvo miti yemisipiresi inofara nokuda kwako, nemisidhari yeRebhanoni, ichiti, `Chinguva chawaparadzwa, hapano mutemi anokwira kutitema.' |
| 9. | "Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe. |
| 10. | Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri, `Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?' |
| 11. | "Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira kwoudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza. |
| 12. | "Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi! |
| 13. | Iwe wakati mumoyo mako, `Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro; |
| 14. | ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.' |
| 15. | Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba. |
| 16. | "Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti, `Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe; |
| 17. | aishandura nyika ifanane nerenje, aiparadza maguta ayo, airamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?' |
| 18. | "Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake. |
| 19. | Asi iwe waraswa kure nobwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka. |
| 20. | Haungavigwi pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, vakauraya vanhu vako; vana vavakaipa havangarehwi nokusingaperi. |
| 21. | Gadzirirai vana vake pavangaurawa nokuda kwokushata kwamadzibaba avo; varege kuzomuka, vagare nhaka yenyika, vazadze pasi pose namaguta." |
| 22. | Zvanzi naJehovha wehondo, "Ndichavamukira, ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana, navana vavana, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 23. | Ndichariita nzvimbo inogarwa nenungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo." |
| 24. | Jehovha wehondo akapika, achiti, "Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo. |
| 25. | Kuti ndichavhuna muAsiria munyika yangu, ndichamutsika netsoka dzangu pamakomo angu; nenguva iyo joko rake richabva kwavari, nomutoro wake uchabva pamafudzi avo." |
| 26. | Ndicho chirevo chakatemerwa nyika yose; ndirwo ruoko rwakatambanudzwa pamusoro pamarudzi ose. |
| 27. | Nokuti Jehovha wehondo wakatema chirevo, ndiani angapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa. |
| 28. | Negore rokufa kwamambo Ahazi chirevo ichi chakarehwa, |
| 29. | "Iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose, usafara zvako nokuti shamhu yakanga yakurova yavhunika; nokuti pamudzi wenyoka pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka yomoto inoburuka. |
| 30. | Matangwe avarombo achadya, navanoshayiwa vachavata pasi vakafara; ndichauraya mudzi wako nenzara, vakasara vako vachaurawa. |
| 31. | "Chema, iwe suo; danidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose; nokuti kurutivi rwokumusoro kunobva utsi, hapana anotiza pahondo dzake." |
| 32. | Zvino nhume dzorudzi urwu vachadzipindurei? Kuti, "Jehovha akavamba Ziyoni, vanotambudzika navanhu vake vachavandiramo." |
| ← Isaiah (14/66) → |