Isaiah (13/66)  

1. ,Chirevo chaMwari pamusoro peBhabhironi, chakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi.
2. Simudzai mureza pagomo risina miti; danidzirai kwavari, ninirai noruoko, kuti vapinde pamasuo avakuru.
3. Ndakaraira vatsvene vangu, ndakadana mhare dzangu nokuda kwokutsamwa kwangu, ivo varume vangu vanofara vachizvikudza.
4. Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwavanhu vazhinji Kutinhira kweungano dzoushe kwamarudzi akaungana pamwechete! Jehovha wehondo wogadzira hondo kundorwa.
5. Vanobva kunyika iri kure, kumugumo wedenga, iye Jehovha nenhumbi dzake dzokurwa dzeshungu dzake, kuti aparadze nyika yose.
6. Chemai, nokuti zuva raJehovha riri pedo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna waMasimbaose.
7. Saka maoko ose achashayiwa simba, nomoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyauka;
8. vachavhunduka; vachabatwa nokurwadziwa namatambudziko; vacharwadziwa somukadzi anosununguka; vachatarisana vachashamiswa; zviso zvavo zvichafanana nezviso zvomoto.
9. Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika iite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.
10. Nokuti nyeredzi dzokudenga, namapoka adzo, hadzingaratidzi chiedza chadzo; zuva richasvibiswa pakubuda kwaro, uye mwedzi haungavhenekeri nechiedza chawo.
11. Ndicharova nyika nokuda kwokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.
12. Vanhu ndichavaita vashoma kupfuura ndarama yakaisvonaka, iye munhu kupfuura ndarama tsvene yeOfiri.
13. Saka ndichadederesa denga, nyika ichazununguswa ibve panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha wehondo, napazuva rokutsamwa kwake kukuru.
14. Zvino semhara inovhimwa, uye sezvipfuwo zvisina unozviunganidza, saizvozvo munhu mumwe nomumwe achadzokera kurudzi rwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.
15. Mumwe nomumwe anowanikwa, achabayiwa; mumwe nomumwe anobatwa, achaurawa nomunondo.
16. Vacheche vavo vacharoverwa pasi pamberi pavo, dzimba dzavo dzichapambwa, vakadzi vavo vachachinyiwa. ,
17. Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia, vasingarangariri sirivha, kunyange ndarama havaifariri.
18. Uta hwavo huchawisira pasi majaya avo, havangavi netsitsi nezvibereko zvechizvaro; ziso ravo haringadariki vana.
19. Zvino Bhabhironi, rine mbiri paushe hwose, raizvikudza vaKaradhea pamusoro pokunaka kwaro, richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora.
20. Haringatongogarwi navanhu, hakuna vangatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; kunyange nomuArabhia haangadziki tende rakemo, navafudzi havangavatisi mapoka avopo.
21. Asi zvikara zvomusango zvichavatamo; dzimba dzavo dzichazara nezvinorira; mhou dzichagaramo, nemweya yakaipa ichatambapo.
22. Mapere acharira munhare dzavo, namakava mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; nguva yaro yaswedera pedo, mazuva aro haangawedzerwi.

  Isaiah (13/66)