| ← Isaiah (13/66) → |
| 1. | ,Chirevo chaMwari pamusoro peBhabhironi, chakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi. |
| 2. | Simudzai mureza pagomo risina miti; danidzirai kwavari, ninirai noruoko, kuti vapinde pamasuo avakuru. |
| 3. | Ndakaraira vatsvene vangu, ndakadana mhare dzangu nokuda kwokutsamwa kwangu, ivo varume vangu vanofara vachizvikudza. |
| 4. | Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwavanhu vazhinji Kutinhira kweungano dzoushe kwamarudzi akaungana pamwechete! Jehovha wehondo wogadzira hondo kundorwa. |
| 5. | Vanobva kunyika iri kure, kumugumo wedenga, iye Jehovha nenhumbi dzake dzokurwa dzeshungu dzake, kuti aparadze nyika yose. |
| 6. | Chemai, nokuti zuva raJehovha riri pedo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna waMasimbaose. |
| 7. | Saka maoko ose achashayiwa simba, nomoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyauka; |
| 8. | vachavhunduka; vachabatwa nokurwadziwa namatambudziko; vacharwadziwa somukadzi anosununguka; vachatarisana vachashamiswa; zviso zvavo zvichafanana nezviso zvomoto. |
| 9. | Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika iite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo. |
| 10. | Nokuti nyeredzi dzokudenga, namapoka adzo, hadzingaratidzi chiedza chadzo; zuva richasvibiswa pakubuda kwaro, uye mwedzi haungavhenekeri nechiedza chawo. |
| 11. | Ndicharova nyika nokuda kwokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa. |
| 12. | Vanhu ndichavaita vashoma kupfuura ndarama yakaisvonaka, iye munhu kupfuura ndarama tsvene yeOfiri. |
| 13. | Saka ndichadederesa denga, nyika ichazununguswa ibve panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha wehondo, napazuva rokutsamwa kwake kukuru. |
| 14. | Zvino semhara inovhimwa, uye sezvipfuwo zvisina unozviunganidza, saizvozvo munhu mumwe nomumwe achadzokera kurudzi rwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake. |
| 15. | Mumwe nomumwe anowanikwa, achabayiwa; mumwe nomumwe anobatwa, achaurawa nomunondo. |
| 16. | Vacheche vavo vacharoverwa pasi pamberi pavo, dzimba dzavo dzichapambwa, vakadzi vavo vachachinyiwa. , |
| 17. | Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia, vasingarangariri sirivha, kunyange ndarama havaifariri. |
| 18. | Uta hwavo huchawisira pasi majaya avo, havangavi netsitsi nezvibereko zvechizvaro; ziso ravo haringadariki vana. |
| 19. | Zvino Bhabhironi, rine mbiri paushe hwose, raizvikudza vaKaradhea pamusoro pokunaka kwaro, richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora. |
| 20. | Haringatongogarwi navanhu, hakuna vangatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; kunyange nomuArabhia haangadziki tende rakemo, navafudzi havangavatisi mapoka avopo. |
| 21. | Asi zvikara zvomusango zvichavatamo; dzimba dzavo dzichazara nezvinorira; mhou dzichagaramo, nemweya yakaipa ichatambapo. |
| 22. | Mapere acharira munhare dzavo, namakava mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; nguva yaro yaswedera pedo, mazuva aro haangawedzerwi. |
| ← Isaiah (13/66) → |