| ← Isaiah (12/66) → |
| 1. | Nezuva iro uchati, "Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza. |
| 2. | Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu." |
| 3. | Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso. |
| 4. | Zvino nezuva iro muchati, "Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa. |
| 5. | "Imbirai Jehovha; nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikanwe panyika yose. |
| 6. | Danidzira upururudze, iwe ugere paZiyoni; nokuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu." |
| ← Isaiah (12/66) → |