| ← Isaiah (11/66) → |
| 1. | Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko. |
| 2. | Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. |
| 3. | Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; |
| 4. | asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake. |
| 5. | Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidzva zvake. |
| 6. | Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira. |
| 7. | Mhou nebere zvichafura; vana vadzo vachavata pamwechete; shumba ichadya uswa senzombe. |
| 8. | Mwana anomwa, achatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi. |
| 9. | Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa. |
| 10. | Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri. |
| 11. | Zvino nezuva iro Ishe achatambanudzazve ruoko rwake kechipiri kuti adzikunure vakasara vavanhu vake, ivo vanenge vasara, vari paAsiria, nePatirosi, neKushi, neErami, neShinari, neHamati, nokuzvitsuwa zvegungwa. |
| 12. | Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza VaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika. |
| 13. | Ipapo godo ravaEfuremu richapera, navanomanikidza vaJudha vachaparadzwa; vaEfuremu havangagodori vaJudha, navaJudha havangamanikidzi vaEfuremu. |
| 14. | Asi vachabhururukira pamusoro pamafudzi avaFirisitia kumavirazuva, vachapambara pamwechete vana vamabvazuva; vachatambanudzira maoko avo kuvaEdhomu navaMoabhi, navana vaAmoni vachavateerera. |
| 15. | Jehovha achaparadza chose muromo wegungwa reIjipiti, achasimudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururova ruite hova nomwe, ayambuse vanhu vakafuka shangu. |
| 16. | Vanhu vake vakasara, vakasara Asiria, vachava nenzira huru; sezvazvakaitirwa Isiraeri nezuva ravakabuda munyika yeIjipiti. |
| ← Isaiah (11/66) → |