Hosea (9/14)  

1. Regai kufara, imi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nokuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo.
2. Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera.
3. Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Ijipiti, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria.
4. Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.
5. Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha?
6. Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi vaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo.
7. "Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru.
8. Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.
9. "Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhiya; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.
10. "Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kunezvinonyadzisa, vakaita zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.
11. "Kana vari VaEfuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri.
12. Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya."
13. Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo.
14. Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.
15. "Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.
16. Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo."
17. Mwari wangu achavarasha, nokuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.

  Hosea (9/14)