← Hosea (7/14) → |
1. | "Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze. |
2. | "Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu." |
3. | "Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo. |
4. | Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira. |
5. | Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki. |
6. | Nokuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata husiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto." |
7. | "Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri. |
8. | "Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisinakushandurwa. |
9. | Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose-pose, asi iye haazvizivi. |
10. | Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyange izvi zvose zvakadaro. |
11. | Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Ijipiti, vanoenda Asiria. |
12. | Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo. |
13. | "Vane nhamo ivo nokuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nokuti vakandidarikira; kunyange ndakanga ndichida kuvadzikinura, vakandirevera nhema. |
14. | "Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhovo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira. |
15. | Kunyange ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyange zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa |
16. | Vanodzoka asi havangadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti." |
← Hosea (7/14) → |