Hosea (6/14)  

1. "Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve, akarova, asi achatisungazve patakakuvara.
2. Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake.
3. Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika."
4. "Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda.
5. Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda.
6. Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
7. "Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera.
8. Giriyadhi iguta ravanoita zvakaipa, rina makwapa eropa.
9. Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapirisiti rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa.
10. Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panohufeve, Isiraeri vakasvibiswa.
11. "Newevo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu.

  Hosea (6/14)