| ← Hosea (6/14) → | 
| 1. | "Uyai, tidzokera kuna Jehovha; nokuti akabvambura, asi achatipodzazve, akarova, asi achatisungazve patakakuvara. | 
| 2. | Kana mazuva maviri apera achatiraramisa, nezuva rechitatu achatimutsazve, tirarame pamberi pake. | 
| 3. | Ngatimuzive, ngatishingaire kuziva Jehovha; kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani; achauya kwatiri semvura, semvura yokuteverera inodiridza nyika." | 
| 4. | "Aiwa, Efuremu, ndichakuitei? Aiwa, Judha ndichakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamangwanani, uye sedova rinokurumidza kuenda. | 
| 5. | Naizvozvo ndakavatema navaporofita; ndakavauraya namashoko omuromo wangu, zvandakatonga zvakaita sechiedza chinobuda. | 
| 6. | Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa. | 
| 7. | "Asi vakadarika sungano saAdhamu, ndipapo pavakandinyengera. | 
| 8. | Giriyadhi iguta ravanoita zvakaipa, rina makwapa eropa. | 
| 9. | Sezvakaita makororo anovandira munhu, saizvozvo boka ravapirisiti rinouraya panzira inoenda Shekemi; zvirokwazvo, vakaita zvinonyadzisa. | 
| 10. | Paimba yaIsiraeri ndakaona chinhu chinonyangadza kwazvo, pakati paEfuremu panohufeve, Isiraeri vakasvibiswa. | 
| 11. | "Newevo, Judha, wakagadzirirwa kukohwa, nenguva yandinodzosa kutapwa kwavanhu vangu. | 
| ← Hosea (6/14) → |