← Hosea (3/14) → |
1. | Zvino Jehovha akati kwandiri, "Chiendazve, undoda mukadzi anodikanwa nomurume wake, asi chiri chifeve, sezvinoda Jehovha vana vaIsiraeri, kunyange vachitsaukira kuna vamwe vamwari, vachida mapundu amadzamb iringa. |
2. | Naizvozvo ndakamutenga namasirivha ane gumi namashanu, nehomeri yebhari, nehomeri yebhari; |
3. | ndikati kwaari, "Uchafanira kundimirira mazuva mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuva mukadzi womumwe murume; neniwo ndichaita saizvozvo kwauri. |
4. | Nokuti vana vaIsiraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo, vasina muchinda, vasina zvibairo vasina shongwe vasina efodhi kana terafimi. |
5. | Pashure vana vaIsiraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, nokuunyoro hwake namazuva okupedzisira." |
← Hosea (3/14) → |