| ← Hosea (14/14) |
| 1. | Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu. |
| 2. | Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, "Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu. |
| 3. | Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri." |
| 4. | "Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari. |
| 5. | Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni. |
| 6. | Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni. |
| 7. | "Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni. |
| 8. | "Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri." |
| 9. | Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri. |
| ← Hosea (14/14) |