Hosea (13/14)  

1. Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.
2. Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, "Vanobayira mhuru ngavadzisvete."
3. Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi hwechoto hunobuda napaburi.
4. "Kunyange zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.
5. Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.
6. Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikanganwa.
7. Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;
8. ndicharwa navo sebere rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.
9. "Ndizvo zvichakuparadzai, imi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.
10. Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, `Tipei mambo namachinda?'
11. Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.
12. "Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.
13. Kurwadziwa kwomukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asine njere; nokuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.
14. Ndichavadzikinura pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Aiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Aiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuzvidemba hakungaonekwi nameso angu.
15. Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime rake richaoma, iye uchapamba fuma yenhumbi dzose dzinodikanwa.
16. "Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa."

  Hosea (13/14)