Hosea (12/14)  

1. ' "Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Ijipiti."
2. Jehovha ane gakava naJudhawo, acharova Jakobho pamusoro penzira dzake, achamuripira pamusoro pezvaakaita.
3. Muchizvaro akabata chichitsinho chomukuru wake, ava nesimba romurume akaita mitsimba naMwari;
4. zvirokwazvo, akaita mitsimba nomutumwa akakunda; akachema, akamunyengetera; akamuwana paBhetieri, akataurapo nesu,
5. iye Jehovha, Mwari wehondo; Jehovha ndiro zita rokumurangarira naro.
6. Naizvozvo chidzokera kuna Mwari wako; chengeta rudo nokururamisa, urambe uchimirira Mwari wako.
7. "Iye muKanani, zviyero zvinonyengera zviri muruoko rwake, anofanira kumanikidza.
8. Asi Efuremu anoti, `Zvirokwazvo, ndafuma, ndazviwanira fuma; pamabasa angu ose havangawani kwandiri zvakaipa zvezvivi.'
9. Asi ndini Jehovha Mwari wako, kubva panyika yeIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.
10. "Ndakataurawo navaporofita, ndikawanza zvandakavaratidza; ndakavataurira zvifananidzo nemiromo yavaporofita.
11. "Ko paGiriyadhi pane zvakaipa here? Havana maturo chose; vanobaya nzombe paGirigari; zvirokwazvo maaritari avo akaita matutu amabwe pamihoronga yeminda."
12. Jakobho akatizira kunyika yeArami, Isiraeri akabatira mukadzi, akafudza makwai kuti awane mukadzi.
13. Jehovha akabudisa Isiraeri paIjipiti nomuporofita, akazochengetwa nomuporofita.
14. Efuremu vakatsamwisa Jehovha zvikuru; naizvozvo mhaka yeropa rake ichasiyiwa kwaari, Ishe wake achadzosera kuzvidzwa kwake kwaari.

  Hosea (12/14)