Hosea (11/14)  

1. "Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
2. Vaporofita vachinyanya kuvadana,, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuwira.
3. Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa.
4. Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo.
5. "Havangadzokeri kunyika yeIjipiti, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nokuti vakaramba kudzokera kwandiri.
6. Munondo uchava nehasha pakati pamaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo.
7. Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidanwa kune Wokumusoro, havatongosimuki.
8. Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete.
9. Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nokuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa.
10. "Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nokuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva.
11. "Vachauya seshiri vachibva Ijipiti, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo," ndizvo zvinotaura Jehovha.
12. "Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.

  Hosea (11/14)