| Hosea (1/14) → |
| 1. | Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri. |
| 2. | Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, "Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha." |
| 3. | Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana. |
| 4. | Jehovha akati kwaari, "Mutumidze zita rinonzi `jezireeri,' nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa rejezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri. |
| 5. | Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata wejezireeri." |
| 6. | Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, "Mutumidze iye zita rinonzi `Roruhama;' nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwira. |
| 7. | Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza." |
| 8. | Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana. |
| 9. | Jehovha akati, "Mutumidze zita rinonzi `Roami;' nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu." |
| 10. | Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, "Hamuzi vanhu vangu," ndipapo pazvichanzi kwavari, "Muri vanakomana vaMwari mupenyu." |
| 11. | Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nokuti zuva rejezireeri richava guru. |
| Hosea (1/14) → |