Hosea (1/14)  

1. Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakaomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.
2. Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, "Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha."
3. Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana.
4. Jehovha akati kwaari, "Mutumidze zita rinonzi `jezireeri,' nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa rejezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri.
5. Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata wejezireeri."
6. Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, "Mutumidze iye zita rinonzi `Roruhama;' nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwira.
7. Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza."
8. Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana.
9. Jehovha akati, "Mutumidze zita rinonzi `Roami;' nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu."
10. Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, "Hamuzi vanhu vangu," ndipapo pazvichanzi kwavari, "Muri vanakomana vaMwari mupenyu."
11. Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nokuti zuva rejezireeri richava guru.

      Hosea (1/14)