Hebrews (7/13)  

1. Nokuti Mekizedheki uyo, mambo weSaremi, muPirisita waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;
2. Abhurahamu akamupa vo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, vuye zve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo werugare;
3. asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muPirisita nokusingaperi.
4. Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.
5. Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa rovuPirisita, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchivuno chaAbhurahamu,
6. asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, wakapiwa zvegumi naAbhurahamu akamuropafadza iye wakanga anezvipikirwa.
7. Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye unoropafadzwa nounopfuvura nokunaka.
8. Vuye pano, vanhu, vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa zvichinzi mupenyu.
9. Zvino tingati naRevhi, unopiwa zvegumi, iye vo wakapa zvegumi munaAbhurahamu;
10. nokuti wakanga achiri muchivuno chababa vake, pakusongana kwaMekizedheki naye.
11. Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira yovuPirisita bwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwabwo), ko mumwe muPirisita waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMekizedheki, asinganzi unorudzi naAroni?
12. Nokuti kana vuPirisita bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe vo.
13. Nokuti uyo unorebwa zvinhu izvi pamusoro pake, wakanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobate-basa paaritari.
14. Nokuti zvinovonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kunaJudha; pamusoro porudzi urwu Mosesi haana kureva zvavaPirisita.
15. Izvi zvinoratidzwavo kwazvo, kana kuchimuka mumwe muPirisita wakafanana naMekizedheki,
16. usina kuitwa muPirisita nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba rovupenyu bwusingapedzwi.
17. Nokuti iye unopupurirwa, zvichinzi: Iwe uri muPirisita nokusingaperi, Unorudzi naMekizedheki.
18. Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwovutera bwawo, vuye nokuti haunamaturo,
19. (nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuvura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
20. Vuye zve, zvaasina kuitwa muPirisita kusinemhiko;
21. (nokuti ivo vakaitwa vaPirisita kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi moyo Zve, achiti: Iwe uri muPirisita nokusingaperi wegwara "reimba" yaMekizedheki);
22. Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuvura nokunaka.
23. Ivo vaiva vaPirisita vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi,
24. Asi iye zvaanogara nokusingaperi unovuPirisita bwusingapfuvudzwi.
25. Naizvozvo unesimba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanovuya kunaMwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.
26. Nokuti muPirisita mukuru wakadai ndiye wataifanira kuva naye mutsvene, usinechakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kwedenga;
27. usingafaniri, savaya vaPirisita vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
28. Nokuti murairo unogadza vanhu vanovutera, kuti vave vaPirisita vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.

  Hebrews (7/13)