| ← Hebrews (7/13) → |
| 1. | Nokuti Mekizedheki uyo, mambo weSaremi, muPirisita waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza; |
| 2. | Abhurahamu akamupa vo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, vuye zve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo werugare; |
| 3. | asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muPirisita nokusingaperi. |
| 4. | Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba. |
| 5. | Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa rovuPirisita, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchivuno chaAbhurahamu, |
| 6. | asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, wakapiwa zvegumi naAbhurahamu akamuropafadza iye wakanga anezvipikirwa. |
| 7. | Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye unoropafadzwa nounopfuvura nokunaka. |
| 8. | Vuye pano, vanhu, vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa zvichinzi mupenyu. |
| 9. | Zvino tingati naRevhi, unopiwa zvegumi, iye vo wakapa zvegumi munaAbhurahamu; |
| 10. | nokuti wakanga achiri muchivuno chababa vake, pakusongana kwaMekizedheki naye. |
| 11. | Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira yovuPirisita bwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwabwo), ko mumwe muPirisita waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMekizedheki, asinganzi unorudzi naAroni? |
| 12. | Nokuti kana vuPirisita bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe vo. |
| 13. | Nokuti uyo unorebwa zvinhu izvi pamusoro pake, wakanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobate-basa paaritari. |
| 14. | Nokuti zvinovonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kunaJudha; pamusoro porudzi urwu Mosesi haana kureva zvavaPirisita. |
| 15. | Izvi zvinoratidzwavo kwazvo, kana kuchimuka mumwe muPirisita wakafanana naMekizedheki, |
| 16. | usina kuitwa muPirisita nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba rovupenyu bwusingapedzwi. |
| 17. | Nokuti iye unopupurirwa, zvichinzi: Iwe uri muPirisita nokusingaperi, Unorudzi naMekizedheki. |
| 18. | Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwovutera bwawo, vuye nokuti haunamaturo, |
| 19. | (nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuvura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari. |
| 20. | Vuye zve, zvaasina kuitwa muPirisita kusinemhiko; |
| 21. | (nokuti ivo vakaitwa vaPirisita kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi moyo Zve, achiti: Iwe uri muPirisita nokusingaperi wegwara "reimba" yaMekizedheki); |
| 22. | Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuvura nokunaka. |
| 23. | Ivo vaiva vaPirisita vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi, |
| 24. | Asi iye zvaanogara nokusingaperi unovuPirisita bwusingapfuvudzwi. |
| 25. | Naizvozvo unesimba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanovuya kunaMwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere. |
| 26. | Nokuti muPirisita mukuru wakadai ndiye wataifanira kuva naye mutsvene, usinechakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kwedenga; |
| 27. | usingafaniri, savaya vaPirisita vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro. |
| 28. | Nokuti murairo unogadza vanhu vanovutera, kuti vave vaPirisita vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi. |
| ← Hebrews (7/13) → |