| ← Hebrews (5/13) → |
| 1. | Nokuti muPirisita mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi; |
| 2. | iye unogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiye vo amene wakakomberedzwa novutera. |
| 3. | Nemhaka iyo iye amene unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu. |
| 4. | Hakuna munhu ungazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni. |
| 5. | Saizvozvo vo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa muPirisita mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari; Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka; |
| 6. | Sezvaanorevavo paneimwe nzvimbo, achiti: Ndiwe MuPirisita nokusingaperi wegwara "reimba" yaMerkizedheki. |
| 7. | Iye, pamazuva enyama yake, wakavuya kunaiye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari; |
| 8. | kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuterera nezvaakatambudzika; |
| 9. | akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuterera; |
| 10. | akanzi naMwari MuPirisita mukuru wegwara "reimba" yaMekizedheki. |
| 11. | Tinamashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasichagoni kunzwisisa kwazvo. |
| 12. | Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai zvidzidzo zvokutanga zvokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu. |
| 13. | Nokuti mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake. |
| 14. | Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa. |
| ← Hebrews (5/13) → |