Hebrews (5/13)  

1. Nokuti muPirisita mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;
2. iye unogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiye vo amene wakakomberedzwa novutera.
3. Nemhaka iyo iye amene unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu.
4. Hakuna munhu ungazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni.
5. Saizvozvo vo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa muPirisita mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari; Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka;
6. Sezvaanorevavo paneimwe nzvimbo, achiti: Ndiwe MuPirisita nokusingaperi wegwara "reimba" yaMerkizedheki.
7. Iye, pamazuva enyama yake, wakavuya kunaiye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari;
8. kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuterera nezvaakatambudzika;
9. akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuterera;
10. akanzi naMwari MuPirisita mukuru wegwara "reimba" yaMekizedheki.
11. Tinamashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasichagoni kunzwisisa kwazvo.
12. Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai zvidzidzo zvokutanga zvokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.
13. Nokuti mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.
14. Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.

  Hebrews (5/13)