| ← Hebrews (4/13) → |
| 1. | Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu uchawanikwa asingafaniri kupindamo. |
| 2. | Nokuti nesu vo takaparidzirwa Evhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvhenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa. |
| 3. | Nokuti isu vakatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti: Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika. |
| 4. | Nokuti paneimwe nzvimbo wakataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti: Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose; |
| 5. | napano zve: Havangapindi muzororo rangu. |
| 6. | Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, vuye kuti avo vakaparidzirwa Evhangeri kare havana kupinda nokusaterera kwavo, |
| 7. | unotara zve rimwe zuva, achiti muna Dhavhidhi, Nhasi nguva huru yakadai yapfuvura, sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi, Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa moyo yenyu. |
| 8. | Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure. |
| 9. | Zvino zororo resabata ravanhu vaMwari richipo. |
| 10. | Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari panaake. |
| 11. | Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo unozowa achitevera nzira iyo yokusaterera. |
| 12. | Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo. |
| 13. | Hakune chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari. |
| 14. | Naizvozvo, zvatinomuPirisita mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu. |
| 15. | Nokuti hatinomuPirisita mukuru usingagoni kutinzwira tsitsi pavutera bwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asinezvivi. |
| 16. | Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro chovushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira. |
| ← Hebrews (4/13) → |