| ← Hebrews (13/13) |
| 1. | Rudo pakati pehama ngarugare. |
| 2. | Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi. |
| 3. | Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwe chete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imi vo. |
| 4. | Wanano ngaikudzwe navose, nenhovo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva. |
| 5. | Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi. |
| 6. | Naizvozvo tinotsunga moyo, tichiti: Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu ungandiiteiko? |
| 7. | Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo. |
| 8. | Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi. |
| 9. | Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikanwi; nokuti zakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri. |
| 10. | Isu tinearitari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhernakeri. |
| 11. | Nokuti mitumbu yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomuPirisita mukuru nokuda kwe zvivi, inopiswa kunze kwemisasa. |
| 12. | Saka naiye Jesu vo wakatambudzika kunze kwesuvo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake. |
| 13. | Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. |
| 14. | Nokuti pano hatineguta richagara, asi tinotsvaka richazovapo. |
| 15. | Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake. |
| 16. | Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibayiro zvakadai. |
| 17. | Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingazviiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu. |
| 18. | Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tinehana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. |
| 19. | Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. |
| 20. | Zvino Mwari worugare, wakadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, |
| 21. | ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Krisu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. |
| 22. | Asi ndinokurairai, hama dzangu,kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. |
| 23. | Zivai kuti hama yedu Timotio wakasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuvonai pamwe chete naye. |
| 24. | Ndikwazisirei vatungamiriri venyu vose navatsvene vose. VeItaria vanokukwazisai. |
| 25. | Nyasha ngadzive nemi mose. Ameni. |
| ← Hebrews (13/13) |