Hebrews (11/13)  

1. Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo hwezvinhu zvatisingavoni.
2. Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka.
3. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nenzwi raMwari, naizvozvo zvinhu zvinovonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinovonekwa..
4. Nokutenda Abheri wakabayira Mwari chibayiro chakanaka kunechaKaini; akapupurirwa nacho kuti wakanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, uchangotaura nazvino.
5. Nokutenda Enoki wakatorwa,kuti arege kuvona rufu; akasavonekwa, nokuti Mwari wakanga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakanga achifadza Mwari.
6. Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unovuya kunaMwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, vuye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.
7. Nokutenda Noa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuvonekwa,nokutya Mwari, akagadzira areka , kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunovuya nokutenda.
8. Nokutenda Abhurahamu, wakati adanwa, akaterera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.
9. Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatente naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye;
10. nokuti wakanga achitarira guta rinenheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.
11. Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba akazvara mwana, kunyange akanga achembera, nokuti wakati iye wamupikira wakatendeka.
12. Saka kumunhu mumwe, wakanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, vuye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.
13. Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazvivona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazvimbundikira vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.
14. Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo.
15. Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka.
16. Asi zvino vanoda imwe inopfuvura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haanenyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
17. Nokutenda Abhurahamu, achiidzwa, wakabayira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga;
18. iye wakanga avudzwa, zvichinzi: MunaIsaka vana vako vachatumidzwa;
19. nokuti wakati Mwari unogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapo vo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.
20. Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitika.
21. Nokutenda Jakobho pakufa kwake wakaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake.
22. Nokutenda Josefa, ofa, wakataura zvokubuda kwavana vaIsraeri, akavaraira pamusoro pamafupa ake.
23. Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake wakavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakavona kuti wakanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo.
24. Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao,
25. akati zvirinani kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari panokufara muzvivi nguva duku;
26. akati kuzvidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweIjipiti; nokuti wakatarira mubairo.
27. Nokutenda wakabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira somunhu unovona iye usingavonekwi.
28. Nokutenda wakavamba paseka nokusasa ropa, kuti muvurayi wamatangwe avarege ivo.
29. Nokutenda vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakawoma; vaIjipiti vachiidza izvozvo, vakabitirirwa.
30. Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe.
31. Nokutenda Rakabi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuterera, nokuti wakanga agamuchira vashori norugare.
32. Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGideoni, naBaraki, naSamsoni, naJefta, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita;
33. avo vakakunda vushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba.
34. Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa pavutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi.
35. Vakadzi vakapiwa zve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakasagamuchira kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuvura nokunaka;
36. vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirobwa zvikuru, vuye zve vachisungwa, vachiiswa mutorongo;
37. vakatakwa nambwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakavurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matebwe amakwai, nenguvo dzembudzi; vasinechinhu, va chitambudzika, va chiitirwa zvakaipa;
38. (nyika hainakufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.
39. Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa,
40. nokuti Mwari wakanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuvura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.

  Hebrews (11/13)