Hebrews (1/13) → |
1. | Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, vuye nemitovo mizhinji, |
2. | zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaita vo naye nyika; |
3. | iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga, |
4. | akapfuvura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro, |
5. | Nokuti wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka? Vuye zve: Ndichava Baba vake, Iye uchava Mwanakomana wangu? |
6. | Vuye, kana achizovuyisa zve dangwe rake panyika, unoti: Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate. |
7. | Napamusoro pavatumwa unoti: Iye unoita vatumwa vake kuti vave Mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto; |
8. | Asi pamusoro poMwanakomana, unoti: Chigaro chenyu chovushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo Yovushe bwako. |
9. | Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuvura shamwari dzenyu. |
10. | Vuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu; |
11. | Iro richapera, asi imi mucharamba muripo;Richasakara rose senguvo; |
12. | Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imi makangodaro, namakore enyu haangagumi. |
13. | Asi wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako? |
14. | Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa, kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here? |
Hebrews (1/13) → |