Hebrews (1/13)  

1. Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, vuye nemitovo mizhinji,
2. zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaita vo naye nyika;
3. iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga,
4. akapfuvura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro,
5. Nokuti wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka? Vuye zve: Ndichava Baba vake, Iye uchava Mwanakomana wangu?
6. Vuye, kana achizovuyisa zve dangwe rake panyika, unoti: Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.
7. Napamusoro pavatumwa unoti: Iye unoita vatumwa vake kuti vave Mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;
8. Asi pamusoro poMwanakomana, unoti: Chigaro chenyu chovushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo Yovushe bwako.
9. Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuvura shamwari dzenyu.
10. Vuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu;
11. Iro richapera, asi imi mucharamba muripo;Richasakara rose senguvo;
12. Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imi makangodaro, namakore enyu haangagumi.
13. Asi wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?
14. Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa, kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?

      Hebrews (1/13)