| Haggai (1/2) → |
| 1. | Negore rechipiri ramambo Dhariusi, nomwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, richiti, |
| 2. | "Jehovha wehondo unotaura, achiti, `Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.' " |
| 3. | Ipapo shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti, |
| 4. | "Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?" |
| 5. | Zvino zvanzi naJehovha wehondo, "Cherekedzai zvamakaita. |
| 6. | Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziyirwa; unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka." |
| 7. | Zvanzi naJehovha wehondo, "Cherekedzai zvamakaita. |
| 8. | Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 9. | "Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake. |
| 10. | Saka denga rakaramba nedova nemhaka yenyu, nenyika inoramba nezvibereko zvayo. |
| 11. | Ndakadana kuwoma kuuye panyika, napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napane zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, napamabasa ose amaoko avanhu." |
| 12. | Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha. |
| 13. | Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarairwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati, "Ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha." |
| 14. | Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo, |
| 15. | nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu, negore rechipiri ramambo Dhariusi. |
| Haggai (1/2) → |