Habakkuk (3/3)    

1. Munyengetero womuporofita Habhakuki, unoimbwa neShigionoti.
2. "Aiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Aiwa, Jehovha,mutsai basa renyu pakati pamakore; Rizivisei pakati pamakore; Pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha.
3. Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake.
4. Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, Simba rake rinovandapo.
5. Hosha yakaipa inomutungamirira, Mazimbe omoto anobuda patsoka dzake.
6. Anomira achiyera nyika; Anotarira, ndokuparadza marudzi avanhu; Makomo asingaperi anopararira; Zvikomo zvisingaperi zvinokotama; Nzira dzake ndedzekare-kare.
7. Ndinoona matende eKushani ari panhamo; Micheka yamatende enyika yeMidhiani anodedera.
8. Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso?
9. Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Makaparura nyika nenzizi.
10. Makomo akakuonai akatya, Kudira kwemvura kwakapfuura; Pakadzika pakabudisa izwi rapo, Pakasimudzira maoko apo kumusoro.
11. Zuva nomwedzi zvakamira paugaro hwazvo, Zvichiona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, Zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
12. Makatsika nyika makatsamwa, Makapura ndudzi mune hasha.
13. Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuvadza musoro weimba yowakaipa, Muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo.
14. Makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake; Vakauya sechamupupuri kundiparadza; Kufara kwavo kwakaita sokwavanopedza varombo pakavanda.
15. Makatsika gungwa namabhiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji."
16. "Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira.
17. Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga,
18. Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu.
19. Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu."

  Habakkuk (3/3)