| ← Habakkuk (2/3) → |
| 1. | "Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu. |
| 2. | "Jehovha akandipindura, akati, `Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya. |
| 3. | Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru. |
| 4. | Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake. |
| 5. | Uyezve, zvirokwazvo, waini inonyengera, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.' |
| 6. | Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, `Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!' |
| 7. | "Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imi mukapambwa navo? |
| 8. | Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo. |
| 9. | "Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa! |
| 10. | Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu. |
| 11. | Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura. |
| 12. | "Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa! |
| 13. | Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo? |
| 14. | Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa. |
| 15. | "Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvinwe, anovhenganisiramo uturu hwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo ! |
| 16. | Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chinwai nemiwo, muve soasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu. |
| 17. | Nokuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo. |
| 18. | "Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura? |
| 19. | Ane nhamo anoti kudanda, `Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here?' Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku. |
| 20. | "Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake." |
| ← Habakkuk (2/3) → |