Genesis (9/50)  

1. Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, "Berekai, muwande, muzadze nyika.
2. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundu­kai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu.
3. Zvose zvinofamba zvipenyu zvi­chava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.
4. Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.
5. Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndichari­tsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomu­nhu.
6. Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; no­kuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.
7. As imwi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo."
8. Zvino Mwari akataura naNoa nava­nakomana vake vakanga vanaye, akati,
9. "Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai;
10. ne­zvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika.
11. Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti ipara­dze nyika."
12. Ipapo Mwari akati, "Ndi­cho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi.
13. Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
14. Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, mu­raraungu uyu ukaonekwa mugore,
15. ndi­charangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama.
16. Mura­raungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pa­kati paMwari nezvipenyu zvose zve­nyama zviri panyika."
17. Mwari akati kuna Noa, "Ndicho chiratidzo chesu­ngano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika."
18. Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani.
19. Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo.
20. Noa akatanga kuva murimi, aka­rima munda womuzambiringa;
21. akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake.
22. Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazi­visa vakuru vake vaviri.
23. Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafu­dzi avo, vakaenda manhenda shure, va­kafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.
24. Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanako­mana wake muduku,
25. akati, "Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake."
26. Akati, "Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake.
27. Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake."
28. Noa akagara shure kwemvura zhi­nji makore ana mazana matatu namakumi mashanu.
29. Mazuva ose Nloa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi ma­shanu, akafa.

  Genesis (9/50)